Rimwe sangano rinoshanda nevanotengesa zvakasiyana siyana muBulawayo rinoti raramo yevanhukadzi vanozvishandira vega ndiyo yakanyanyovhiringidzwa nekuveko kwechirwere cheCovid-19.
Hurumende yakazivisa nezuro kuti yainge yabaya vanhu zviuru makumi maviri nechimwe nemazana mana nemakumi mashanu nevatanhatu, 21456, vakanga vabayiwa nhomba iyi kusvika mukupera kwezuva nezuro
Chirongwa chekubaiwa nhomba inodzivirira chirwere checovid-19 kwevashandi vehurumende chatanga munzvimbo dzakasiyana-siyana munyika uye muBulawayo vanhu vanoshanda mune zvehutano kusanganisira vana mukoti vabaiwa nhomba iyi.
Hurumende iri kukurudzirwa kuti igadzirise dambudziko riri kuenderera mberi paBeitbridge sezvo kuwanda kwevanhu panzvimbo iyi kuchigona kuwedzera kupararira kweCovid-19.
Vanhu vakawanda vari kuda kudzokera kuSouth Africa vataura neStudio 7 paBeitbridge Border Post vati vave nemazuva matatu kana kupfuura vakamiswa pabhodha reBeitbridge nekuda kwedambudziko rekunonoka kudhindirwa magwaro ekufambisa izvo vati zvave kukonzera matambudziko akasiyana siyana.
Mutevedzeri wemutauriri webato reMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vashora hurumende vachiti maitiro ayakaita lockdown anoomesera veruzhinji.
Munyori mukuru wesangano Zimbabwe Association of Doctors for Human Rights, Dr Norman Matara, vanoti zvimwe zvezvakabuda pamusangano uyu zvakakosha zvikuru sezvo zvichibudisa pachena mamwe matambudziko ari kusangana nevakaremara panguva ino yedambudziko reCovid-19 asiri kutaurwa nezvawo.
Kanzuru yeguta reBulawayo ichakwidza mitero nezvikamu zvinodarika mazana matatu nemakumi manomwe kubva muzana izvo zvisiri kutambirwa nemufaro nevagari vakawanda.
Mutongi wedare reHigh Court muBulawayo, Justice Christopher Dube-Banda, vati chikumbiro chevaive murongi wemabasa muMDC T, VaAbednico Bhebhe, chichazonzwikwa pazuva ravasina kutara,
Sarudzo yenhengo dzeDistric Coordinating Committee dzebato reZanu PF mudunhu reMidlands kwanonoka kutanga nekuda kwezvimhingamupinyi zvinosanganisira kunaya kwemvura yakawanda mune dzimwe nzvimbo.
Bvunzo dzeGrade 7 dzatanga kunyorwa nhasi munyika paine vamwe vana vanyora vari pachavo vega nekuda kwechirwere cheCovid-19. nechirwere cheCovid-19.
Vamwe vagari vemuBulawayo vari kuramba vari panjodzi yekubatwa nezvirwere zvemudumbu sezvo vari kushandisa mvura yemumatsime isina kucheneswa nekuda kwekuendera kwedambudziko rekushaikwa kwemvura.
Vamwe vanhu vanoti vachave mutungamiri wenyika yeAmerica vaJoe Biden vachave nebasa guru rekugadzirisa zvakawanda zvakavhiringidzwa naVaDonald Trump vachitiwo Zimbabwe ine zvekudzidza zvakawanda kune zviri kuitika munyika yeAmerica.
Vana vanosvika zana vanonzi vabatwa nechirwere cheCovid-19 paJohn Tallach High School iyo iri kuNtabazinduna pedyo neguta reBulawayo mudunhu reMatabeleland North.
Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, vanoti veruzhinji vanofanirwa kuramba vakangwarira kurwisana nechirwere cheCovid-19 sezvo chiri kuramba chichitekeshera pasi rose.
Vari kutevera zviri kuitika muAmerica vanoti Zimbabwe ine zvekudzidza zvakawanda kubva mumafambisirwo enyaya dzesarudzo dzemuAmerica.
Vana veForm 5, Form 3 neGrade 6 vadzokera kuchikoro nhasi pasi pehurongwa hwehurumende hwekuvhura zvikoro zvishoma nezvishoma panguva iyo vadzidzisi vakawanda vachiri kuramwa mabasa izvo zviri kuita kuti vamwe vabereki vatyire vana vavo.
Vechidiki veZanu PF vashoropodza nhepfenyuro yeVoice of America nedzimwe dzakadai seBBC vachiti dzinotaura manyepo pamusoro pezvinenge zvichiitika muZimbabwe.
Bato reZAPU rinoti kuitwa kwegungano revaimbi rekukurudzira kubviswa kwezvirango kana kuti anti-sanctions gala pamwe nekucherechedzwa kwezuva reAnti-Sanctions Day kurasa mari uye mucherechedzo wekutadza kwehurumende kuziva zvinhu zvakakoshera nyika.
Mapurisa emuBulawayo nezuro akapisa misha yevamwe vanhu vakagara patsva mune rimwe purazi riri kuNyamandlovu reBadminton Farm achivati vanhu ava vagere mupurazi iri zvisiri pamutemo. Ambuya Sihle Hadebe, vakatii kave kechitatu vachipisirwa musha wavo kubva 2011. Asi vakatsidza kuti havazi kuzobva.
Rodhai zvimwe