Mapurisa emuBulawayo akapisa neChipiri misha yevamwe vanhu vakagara patsva mune rimwe purazi riri kuNyamandlovu achivati vanhu ava vagere mupurazi iri zvisiri pamutemo.
Zvikoro zvakawanda zvakavhurwa neMuvhuro asi zvinhu zvichiratidza kuti hazvina kunyatsorongeka nekuda kwekuramwa mabasa kwevarairidzi nezvimwe zvikonzero.
Mutongi wedare iri, Justice Martin Makonese, vakarasa chikumbiro chechimbi-chimbi ichi icho chaive chaitwa naVaCharles Thomas pamwe chete nesangano reIbhetshu Likazulu vakatiwo vabhadhare mari dzose dzine chekuita nenyaya iyi, mumutongo wavakapa neChina.
Vaimbove gurukota redunhu reMidlands, VaJason Machaya, vatongerwa kugara mujeri kwemakore mana, asi mwedzi gumi nemisere ichasendekwa parutivi kana vakasapara imwe mhosva mukati memakore maviri
Vamwe vevanhu vari kugara pane imwe yemakamba ari kuchengeta vanhu vakaparadzirwa dzimba nedutumupengo Cyclone Idai kuChimanimani, vanoti vari kurarama hupenyu hwakaoma vachityirawo kubatwa nechirwere cheCovid-19, uye vanoda kuti hurumende ivatsvagire kwekugara kwakanak nekukasika.
Sangano reVoluntary Media Council of Zimbabwe, VMCZ, rinoti riri kushushikana zvikuru kuti zvimwe zviri mubhiri remutemo weZimbabwe Media Commission Bill hazvizi izvo zviri kushuvirwa nevatapi venhau.
Izvi zvabuda mudare redzimhosva muBulawayo pakunzwikwa kwechikumbiro chechimbi-chimbi chakakwidzwa kudare naVaCharles Thomas, chekuti hurumende imise hurongwa hwainaho hwekuda kuviga patsva vanhu vakauraiwa panguva yeGukurahundi.
Mutongi wedare reHigh Court Justice, Martin Makonese, vati vave kuzonzwa chikumbiro ichi musi weChina svondo rinouya mushure mekunge gweta rehurumende, Rejoice Hove, rakumbira kupiwa nguva yekunyatsogadzirira zvizere.
Panguva iyo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyaya dzezvehutano munyika, chimwe chirongwa chiri kutungamirwa nesangano reWorld Health Organisation, chiri kubatsira kuunza rubatsiro munyaya dzehutano kuvagari vekumaruwa.
Vamwe vagari vemuGweru vari kutsutsumwa nenyaya yekushaikwa kwemvura, dzimwe nzvimbo dzichinzi dzave nenguva inopfuura mwedzi dzisingawane mvura, panguva iyo pane mashoko ehuwori mukanzuru.
Vamwe varwiri vehondo yerusununguko vaive kudivi reZipra vanoti vari kushushikanawo zvikuru nekusamira zvakanaka kwezvinhu munyika.
Vamwe vanhu vanoti zororo reDefence Forces Day harina zvarinoreva kwavari zvikuru panguva ino apo vamwe vechiuto vari kunzi ndivo vari pamberi panyaya dzekushungurudzwa kweveruzhinji munyika.
VaTawanda Muchehiwa avo vanove muzukuru wemutapi wenhau ari kutsvagwa nemapurisa, Mduduzi Mathuthu, vaunzwa kudare vari muamburenzi vachiperekedzwa nadhokotera wavo sezvo vari kurwara zvekuti havazi kugona kufamba.
Mutongi wedare reHigh Court, Justice Martin Makonese, vapa mutongo uyu zvichitevera chikumbiro chechimbi-chimbi chaitwa negweta, VaNqobani Sithole, chekuti mapurisa aunze VaMuchehiwa kudare.
Mapurisa nemasoja aswera achirambidza vanhu kupinda mukati meguta reBulawayo uye kudzinga vamwe vanhu vanga vave muguta nechekare.
Mukuru wesangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDhewa Mavhinga, vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika sezvo kumbunyikidzwa kwekodzero dzevanhu kuri kuramba kuchiwedzera.
Zimbabwe Lawyers for Human Rights yakwidza nyaya mudare repamusoro richikumbira kuti risendeke parutivi danho rehurumende rekuchinja mazita emigwagwa muBulawayo
Mapurisa nemasoja ange achirambidza vanhu kupinda mumadhorobha uye vanhu vange vapinda mumaguta aya vange vachidzingwa.
Vamwe vanhu vanoti havawoni chinobatsira pakuti nyika idzokere pachinhanho chekuti vanhu vasabuda mudzimba dzavo sezvo zvinodiwa kuri kutevedza mitemo yeWHO.
Vachitaura neStudio7 pakukumikidzwa kwenzvimbo yakadai mumusha wePumula South, mukuru weSchweppes mudunhu reBulawayo, VaNash Mashavave, vati vakaona zvakakodzera kubatsira kanzuru yeguta reBulawayo nekuziva dambudziko rekushaikwa kwemvura rakatarisana nevagari.
Rodhai zvimwe