Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakumikidza mugwagwa weMarongora Hellsgate wakagadzirwa nerubatsiro rwemari yakabviswa neJapan inodarika mamiriyoni makumi maviri emadhora ekuAmerica.
Zvakabuda mubvunzo dzeOrdinary Level dzakanyorwa gore rapera zvabuda nhasi bazi rezvekunyorwa kwebvunzo reZimbabwe School Examination Council (Zimsec)richiti kubudirira kwevana mubvunzo kwakadzikira nezvikamu zvitanhatu kubva muzana kana kuti 6.8%.
Mumiriri weMakonde muparamende uye vachangotoresewa mhiko kuve mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaKindness Paradza vanoti nhengo dzebato reZanu-PF dzinofanira kuona kuti makambani ose anoshandira mudunhu mavo apinza basa vana vemunharaunda zvisinei nemagwaro echikoro.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakabayiwa nhomba yechipiri yekudzivirira chirwere cheCovid-19 pachipatara chikuru chemuKwekwe kuMidlands nemusi weChina.
Vanhu vakawanda vari kuwana zvekudya kuburikidza neWorld Food Program (WHO) mumadhorobha vanoti mari yavari kupihwa haichakwane kutenga chikafu chemhuri dzavo sezvo mitengo yacho iri kukwira zvakanyanya.
Prince Philip, avo vakashaya vave nemakore makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe, varadzikwa pamuzinda weWindsor Castle pachiitiko change chiine vanhu vasingadarike makumi matatu senzira yekudzivirira kutapuriranwa chirwere cheCovid-19.
Sachigaro wesangano revaimbove varwiri verusununguko mudunhu reMashonaland West, VaConilious Muoni, vanoti nhengo dzavo dziri kunonga svosve nemuromo sezvo mari dzadziri kupihwa dziri shoma uye dzisingauye nenguva.
Mhuri dzinodarika mazana maviri idzo dziri kushandisa zvimbuzi zviviri dziri panjodzi yekubata zvirwere mumusha unogara veruzhinji weChebanga kuMhangura.
Nyika dzinoumba bazi rerinoona nezvekudzivirirwa kwenyika dziri mudunhu rekuchamhembe kweAfrica, reSADC Troika, dzabuda nechisungo chekuti paitwe musangano wechimbichimbi mwedzi uno usati wapera wekuzeya matanho angatorwe kumisa hondo iri kuitika mudunhu reCabo Delgado muMozambique.
MaKristu akawanda pasi rose ari kupemberera zuva rekumuka kwaJesu kubva muvakafa kana kuti Easter Sunday vari mudzimba nekuda kwechirwere cheCoronavirus chauraya nekubata vanhu vakawanda munyika dzakawanda
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vatungamira munamato nhasi vachitenda Mwari nekupa Zimbabwe mvura yakanaya zvakanaka gore rino pamwe negoho rakanaka riri kutarisirwa gore rino pamwe nerunyararo nezvimwe zvakaropafadzwa nyika naNyadenga.
Izvi zvinotevera danho rakaitwa nebazi yezvedzidzo iro rakaita hurongwa hwekuderedza vana vanenge vachidzidza panguva imwe chete senzira yekuderedza huwandu hwevana muzvikoro panguva imwe chete kuitira kuti vasatapurirane chirwere cheCovid-19.
Zimbabwe sedzimwe nyika dzakatanga kubaya nhomba yeCovid-19 dzichiine dambudziko rekuti vamwe vaifanira kutanga kubayiwa nhomba iyi havasati vazvipira kuti vazvidzivirire kubva kuchirwere ichi.
Huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 munyika hwave kukwira zvakare kunyange hazvo vanhu vave kubayiwa nhomba yekudzivirira chirwere ichi.
Sezvakaitika pakutanga, mutevedzeri wemutungamiri wenyika uye vari gurukota rezvehutano, VaConstantino Chiwenga, vabayiwa nhomba yechipiri nhasi muHarare veruzhinji vachiona.
Zimbabwe yave kutarisira imwe nhomba yemushonga wekudzivirira chirwere cheCovid-19 kubva kukambani yekuChina yeSinopharm nemusi weChipiri.
Mumwe mukoti anoshandira kwaZvimba mudunhu reMashonaland West, Amai Nomatter Mapepa, vanoti dambudziko guru ravari kusangana naro kumaruwa nderekuti vashandi vakawanda vezvehutano mudunhu ravo havana kuziviswa kuti nhomba iyi inoshanda sei.
Vakafanobata chigaro chemukuru mubazi rezvehutano mudunhu reMashonaland West, Dr Tapiwa Dhliwayo, vati kunyange hurongwa hwanga huri hwekuti chikamu chekutanga chiitwe mumazuva gumi, izvi zvakatadza kuitika.
Bazi rezvehutano mudunhu reMashonaland West rinoti ratanga hurongwa hwekushambadzira chirongwa chekukurudzira cashandi varo ku vabayiwe nhomba yeCovid-19.
Vachitaura nevatori venhau nezuro mukuru webazi rezvehutano mudunhu reMashonaland West, Dr Gift Masoja, vakati hurumende haikwanise kuongorora sezvo vasina zvikwanisiro zvinokwanira munhu wese ari kuda kubayiwa nhomba.
Rodhai zvimwe