Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanoti havasi kuzodzokera shure muhurongwa hwavo hwekuunza shanduko muZimbabwev kunyange hazvo matare edzimhosva ari kupa mitongo inoodza moyo yevatsigiri vebato ravo.
Gurukota rezvehutano, VaObadiah Moyo, avo vakasungwa neChishanu manheru, vamiswa pamberi pedare vachipomerwa mhosva yekushandisa chinzvimbo chavo zvisiri izvo.
Gurukota rezvehutano, VaObadiah Moyo, vasungwa nekomisheni inoona nezvekurwisa huori, yeZimbabwe Anti Corruption Commission, Zacc, vachipomerwa mhosva yekuita huori pakutengwa kwezvinhu zvekushandisa mukudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.
Madzimai matatu eMDC Alliance, Muzvare Joana Mamombe, Cecilia Chimbiri naNetsai Marowa vachange vari mutirongo kusvika nemusi weMuvhuro apo dare richanzwa chikumbiro chekuti vatatu ava vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kudzimba dzavo.
Vachitaura zuva rimwe mushure memutongo wakaturwa naVaTawanda Chitapi, mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti VaChamisa vanofanirwa kudzokera kuvanhu vogara pasi vachitsvaga nzira dzinoita kuti bato ravo risapote vachidzokera kumatare.
Sangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Lawyers for Human Rights rinoti riri kutarisira zvikuru kuti nyanzvi dziri kurapa vechidiki vatatu veMDC vanoti vakapambwa vakatochwa vari mumaoko emapurisa, dzichaita basa radzo nemazvo.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vamisa basa mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaEnergy Mutodi.
Masangano anorwira kodzero dzevanhu ari kukurudzira sangano reUnited Nations nemamwe kuti apindire mudambudziko reZimbabwe zvichitevera kupambwa nekutochwa kwakaitwa madzimai matatu ebato reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa.
Asi munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, Va Nick Mangwana, vanoti hurumende yakamirira kuona zvakabuda muongororo yekuti vanhu ava vane chirwere cheCovid-19 here kana kuti kwete vasati vaenda kumisha yavo.
Asi mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Doctor Energy Mutodi, vanoti hapana zvakaipa zvakaitwa nehurumende.
Mutungamiri weMDC, Va Nelson Chamisa, vatumira mashoko avo kuruzhinji rwevanhu vemuZimbabwe vachivakorokotedza pakusvika kwaita Zimbabwe makore makumi mana yawana kuzvitonga.
Gweta ra Jena, VaKudzai Choga, vanoti Jena atanga kusungirwa nyaya yekuti ari kushandisa kadhi regore rapera. Asi vati nyaya iyi yazochinjwa ava kupomerwa mhosva ye disorderly conduct.
Vachitaura neChishanu manheru pamusoro pematanho atorwa nehurumende yavo, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vati vanhu vachange vachigara kudzimba dzavo kwemasvondo matatu kutanga neMuvhuro senzira yekudzivirira chirwere chiri kuita chamurambamhuru chichibata vanhu pasi rose.
Chipangamazano musangano reLabor and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti nyika dzepasi rose dziri kutora matanhu ekutsigira zvirongwa zvehupfumi sezvo Covid-19 yaparadza misika yemari pasi rose.
Veruzhinji vanofamba nemabhazi pamwe nemakombi anotakura veruzhinji vanoti kumanikidzana kwavanenge vakaita mumabhazi kuri kuvapinza panjodzi yekubatira chirwere cheCoronavirus icho chakatekeshera munyika dzakawanda pasi rose.
Munyori anoona nezvemitemo muMDC inotungamirwa naVa Nelson Chamisa, Va Innocent Gonese, vanoti havasi kufara nehurongwa hwehurumende hwekuvandudza bumbiro remitemo yenyika.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vasangana nevamwe vavo vari muchikwata che Political Actors Dialogue, kana kuti Polad, vakakurukura nyaya dzakasiyana siyana dzinobata nyika.
Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vawedzera negore zvirango zvakatemerwa vakuru vakuru muhurumende nemuZanu PF, pamwe nemakambani avanodyidzana nawo.
Zanu PF inoti iri kuita hurukuro nehurumende yaVaDonald Trump iine chinangwa chekuti zvirango zvakatemerwa vamwe vakuru vakuru mubato iri, zvibviswe.
Komiti yakaumbwa negurukota rezvematunhu, Va July Moyo, kuitira kuti iferefeta huori hunonzi huri kuitwa nemakanzura eguta reMarondera, yakatanga kuita basa rayo nemusi weMuvhuro.
Rodhai zvimwe