VaCharumbira vanoti zvakaitika kuIowa zvinoburitsa pachena kuti pane makakatanwa mubato iri sezvo veruzhinji vari kuratidza kuti vanotsigira VaPete Buttigieg naVaBernie Sanders, avo vavanoti vanenge vasiri kufarirwa nevakuru vakuru muDemocratic Party.
Mutevedzeri wasachigaro weMDC North America Province, VaZvidzai Ruzvidzo, vanoti chinhu chinenge chakashata kuti imwe nyika ipindire musarudzo yeimwe nyika.
Sachigaro veZimbabwe Victims of Political Persecution Association, VaMusekiwa Bhanire, vanoti vakaona zvakakodzera kuti vaumbe sangano rinovamirira kuitira kuti patsvagwe nzira dzekupodza maronda avo.
Muongorori wezvematongerwo enyika, VaFrenk Guni, vanoti semaonero avo, VaBernie Sanders naVaMichael Bloomberg vanofanirwa kupinda musarudzo yemutungamiri wenyika vakabatana kuitira kuti vakunde VaDonald Trump.
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri kushanda kuChina chinoti zvinhu hazvisati zvanaka munyika iyi sezvo vanhu vasati vobvumidzwa kufamba pamadiro nepamusoro pechirwere che coronavirus chanetsa munyika iyi.
Mumwe muongorori wezvematongerwo enyika, VaPromise Sande, vanoti veruzhinji vanofanirwa kugwarira kushandiswa nevakuru vakuru munyaya dzematongerwo enyika sezvo vanhu ava vasina mhandu kwehupenyu hwavo hwese.
Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika, uye vachidzidzisa pa Malone University ku Ohio, Professor Moses Rumano, vanoti zvakaitwa naVaBarr zvinhu zvisingatambirwe munyika ine hutongo hwejechetere.
Hurumende inoti hachisi chokwadi kuti pane vanhu zana negumi nevasere vekuChina vari muZimbabwe vakabatwa nechirwere che Coronavirus sezviri kutaurwa mumadandemutande.
Mutevedzeri wasachigaro weMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaJob Sikhala, vanoti havashamiswe nemutongo wavakapihwa nemusi weChishanu nemutongi wedare repamusoro kuMasvingo, VaGarainesu Mawadze, nokuti hapana mhosva yavakanga vapara.
Asi imwe nynazvi munyaya dzematongerwo enyika, uye vari mukuru wezvirongwa musangano reZimbabwe Network for Social Justice, VaTendai Ruben Mbofana, vanoti vechidiki ava havaifanirwa kunge vakaomeserwa mushure mekufumura huori huri kuitwa nevamwe vakuru vakuru vanodyidzana neZanu PF.
Vedzisvondo vaungana muHarare vachinamatira matambudziko akatarisana ,ukuwo mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachikurudzirawo kuti pave nekubatana pakati pemapato ezvematongerwo enyika.
Mudzimai wemutevedzeri wemutungamiri wenyika, Va Constantino Chiwenga, Muzvare Marry Mubaiwa, vasungwa neMugovera vachipomerwa mhosva yekurova mushandi wavo apo aida kutora vana kubva kwavari ivo Muzvare Mubaiwa.
Mutevedzeri wegurukota rezvekongwa kwematunhu, Amai Marian Chombo, vanoti vakaumba komiti iyi mushure mekunge vatambira gwaro renyunyuto rakabva kuvagari vemuguta reMarondera.
Asi VaGutu havana kuda kutaura zvakawanda pane remangwana ravo vachiti vachange vachishanda zvavo segweta, sezvo riri iro basa ravakadzidzira.
Varairidzi vari musangano re Progressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, vanoti havasi kuenda kunodzidzisa panovhurwa zvikoro nemusi weChipiri sezvo vasina mari yekuendesa kubasa.
Vashandi vehurumende varamba kutambira mari yanga yavimbiswa nehurumende mumusangano wavaita nehurumende pasi peNational Joint Negotiating Council.
MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa iri kuita musangano wayo wekupedzisira gore rino nemusi weSvondo kwaMutare.
Munyori mukuru we Senior Hospital Doctors Association, Dr. Aaron Musara, vanoti haisi mari chete iri kudiwa navana chiremba, asi kuti vari kuda kuti muzvipatara munge muine mishonga yakakwana nezvimwe zvikwanisiro kuitira kuti varwere varapwe nemazvo.
Vanhu vakawanda vanoti vakashamisika zvikuru kuona mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Va Constantino Chiwenga, vachisvika panhandare yendege muHarare pasina vakuru vakuru muhurumende vachivachingamidza.
Chikwata ichi chinoti chakawirirana kuti chitungamirwe naVaSavior Kasukuwere, avo vaimbove gurukota muhurumende yevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.
Rodhai zvimwe