Imwe nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvekubudiswa kwemashoko VaSettlement Chikwinya vati kunyangwe varikugamuchira shuviro yekuwedzerwa kwevanotepfenyura munyika vanoda kuti marezinesi awa apiwe zvejekerere. Vhidhiyo: Rutendo Mawere.
Gavhuna vebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe Doctor John Mangudya vanoti Zimbabwe haisi kuzobatabata mari dzinobva kunze kwenyika uye vari kurwisa kudzikisa kukwira kwemitengo yezvinhu.
Hurumende inoti yave nemichina nezvekushandisa zvakakwana mukuongorora chirwere cheCoronavirus izvo zvichaita kuti vanenge vaongororwa vakurumidze kuzivikanwa kana vane chirwere ichi. Gurukota rezve hutano VaObadiah Moyo vanoti gadziriro yenyika kudzivirira chirwere ichi yave padanho repamusorosoro.
Hurumende inoti yave nemichina nezvekushandisa zvakakwana mukuongorora chirwere cheCoronavirus izvo zvichaita kuti vanenge vaongororwa vakurumidze kuzivikanwa kana vane chirwere ichi. Gurukota rezve hutano VaObadiah Moyo vanoti gadziriro yenyika kudzivirira chirwere ichi yave padanho repamusorosoro
Muchina uyu wagara uri kuSally Mugabe Hospital, asi uchishandiswa kuongorora zvimwe zvirwere. Asi hurumende inoti yatenga zvimwe zvikwanisiro kana kuti maReagents muChirungu kuti pamusoro pekuongorora zvimwe zvirwere, muchina uyu uongororewo Coronavirus.
Vanorwira kodzero dzekufambiswa kwemashoko kwakasununguka nekodzero dzevatori venhau vochema- chema nemari yemarezinesi ekutepfenyura yakatarwa nehurumende.
Vaimbove murongi wemisangano yevechidiki muZanu PF, VaGodfrey Tsenengamu, vanoti kurwisa huori munyika kunobudirira chete kana vana veZimbabwe vakaita chirwirangwe zvisinei kuti vanobva kubato ripi rezvematongerwo enyika.
Komiti yeparamende inoona nezvehutano nhasi iri kutarisirwa kushanyira chipatara cheParirenyatwa kuonoona michina yakanzi navanachiremba vakuru nezuro yakatengwa nehurumende asi isiri kushanda.
Gurukota rezveutano vaObadiah Moyo vanoti hurumende inogona kungopa vashandi mari inenge yakatarwa mubhajeti. Vhidhiyo ina Rutendo Mawere.
Mutauriri weHarare Central Hospital, Muzvare Juliet Chikurunhe, vati michina iyi ichabatsira zvakanyanya varwere vanouya pachipatara chavo. Muzvare Chikurunhe vatiwo michina mizhinji yavanga vanayo yanga yasakara huye imwe haichagadziriki.
Mumiriri weWHO muZimbabwe, Dr Alex Ntale Gasasira, vanoti Zimbabwe iri kuita zvose zvinodiwa senzira yekudzivirira chirwere cheCoronavirus.
Vachitaura nevatori venhau muHarare nezuro, mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko mu UNECA, Muzvare Sandra Nyaira, vakati ongororo yakaitwa nesangano ravo inoratidza kuti nyika dzemuAfrica dzakawanda dziri kutadza kupedza hurombo pamwe nekuita hutano hwakanaka.
Mapurisa azotenda kupa mutungamiri webato guru rinopikisa reMDC VaNelson Chamisa mvumo yekuti vataure kunyika hurongwa hwavanoti hwekugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika kuStoddart Hall kuMbare. Bato iri rinoti hurongwa uhu hunonzi MDC’s Agenda 2020.
Mutungamiriri weZimbabwe Union of Drivers and Conductors, VaFradreck Maguramhinga, vanoti pabepa mutemo uyu unoratidza kuve wakanaka asi nguva zhinji mitemo iyi haitevedzerwi nehurumende.
Mapurisa akawanda asara ari panze, mamwe gumi ndiwo apinda mukati memuzinda uyu achishandisa search warrant raapihwa nematare.
Mapurisa anosvika pamuzinda weMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa achisecha mahofisi aya.(Rutendo Mawere.)
Mapurisa anosvika pamuzinda weMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa achisecha mahofisi aya. (Rutendo Mawere).
Vachitaura nevatori venhau muHarare, mukuru weElection Resource Center, VaTawanda Chimhini, vati zvange zvakakosha kuti hurumende itange yatevedza bumbiro remitemo yenyika zvakazara, isati yatanga hurongwa hwekurivandudza.
Amai Merit Rumema, avo vane vanasikana vaviri, vaudza Studio7 kuti zviri kuvaomera zvakanyanya kuti vakwanise kutenga zvinhu zvekushandisa panguva yekutevera.
Kanzuru yeHarare yambomisa vamwe vatungamiriri veZimbabwe Urban and Rural Council Workers Union vanove ana mukoti mukanzuru iyi basa.
Rodhai zvimwe