Amai Merit Rumema, avo vane vanasikana vaviri, vaudza Studio7 kuti zviri kuvaomera zvakanyanya kuti vakwanise kutenga zvinhu zvekushandisa panguva yekutevera.
Kanzuru yeHarare yambomisa vamwe vatungamiriri veZimbabwe Urban and Rural Council Workers Union vanove ana mukoti mukanzuru iyi basa.
Kunetsa kwemafuta edzimotokari munyika kuri kupa kuti vanhu vakawanda varare pamagaraji anotengesa mafuta kuitira kuti vawane mafuta aya.
Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau muHarare, mukuru weWFP muZimbabwe, VaEddie Rowe, vati kushaikwa kwemari uku kwadzorera shure chirongwa chavo chekubatsira nemari vanotambura kuti vakwanise kutenga zvekudya.
Bazi rezvemari rinoti richawedzera mari pamwe chete nekuunza mari ine huremu hwakakura munyika senzira yekugadzirisa dambudziko remari munyika.
Mutauriri weguta reHarare, VaMichael Chideme, vanoti kanzuru yavo iri kushushukanawo nekusakwanisa kuenda kubasa kwavana mukoti vakati vari kuita hurukuro navo kuti vakwanise kuona kuti dambudziko iri ringagadzirisike sei.
Mari iyi yapihwa kumasangano gumi nematanhatu anoshanda akazvimiririra mumatunhu akasiyasiyana pasi pechirongwa cheAmbassador' Self Help Grants.
Vanhu vakawanda vanoti vakwanisa kutora mari dzavo kumabhanga akasiyana-siyana muHarare asi mamwe mabhanga akaita seCABS anga aine mitsetse mirefurefu.
Mumwe mudzimai, Amai Grace Chigoche, vakurudzira vedzisvondo kuti vabatsire kuti vanhu vataure zvavanosangana nazvo muhupenyu hwavo zvakanangana nemhirizhonga mudzimba.
Varwere vakawanda vari kushora zvikuru hurumende nekudzinga kwairi kuita vana chiremba sezvo muzvipatara musina madhokotera akakwana ari kuvarapa.
Hurumende nhasi iri kutarisira kuti ichatungamira vanhu vanenge vachiratidzira kuti zvirango zvakatemerwa vamwe vakuru vehurumende zvibviswe.
Zvinhu zviri kuramba zvichiita manyama amire nerongo muzvipatara zvehurumende nepamusana pekuti vana chiremba vadiki havasi kuenda kubasa vachiti havana mari dzekufambisa dzinovakwanira.
Pakodzero dzakatyorwa mugore rakaongororwa iri, Zimbabwe Human Rights NGO Forum inoti zvikamu makumi manomwe nezviviri kubva muzana zvekodzero idzi, zvakatyorwa nemapazi aehurumende anosanganisira mapurisa, mauto nevasori.
Vanachiremba vasangana nhasi pachipatara cheParirenyatwa muHarare vakatenderana kuenderera mberi nekuramwa mabasa kunyangwe dare reLabour Court rakavati vange vadzokera kumabasa nhasi.
Vatongi vedare reLabor, Court VaRodgers Manyangadze, pamwe chete naVa Lawrence Murasi, vapa vana chiremba ava mazuva maviri kuti vadzokere kumabasa.
Vaimbove gurukota rezveutano muhurumende yemubatanidzwa, Dr, Henry Madzorera, vati vashamiswa zvikuru nezvaitwa neUniversity of Zimbabwe zvekumbomisa basa Dr. Bothwell Mbuvayesangano naDr. David Chimuka.
Gweta ranga rakamirira vanachiremba veZimbabwe Hospital Doctor’s Association mudare reLabor Court, VaDoug Coltart, vati dare rati panga pasina mapepa akakwana kubva kuHealth Services Board, nokudaro nyaya iyi haikwanisi kunzwikwa zviri pamutemo.
Vanachiremba munyika varamba kutambira kurudziro yehurumende yekuti vadzokere kumabasa.
Vanachiremba vari pasi pesangano reSenior Hospital Doctors’ Association, vatangawo kuramwa mabasa nhasi vachitsutsumwe nenyaya yemihoro pamwe nekusamira zvakanaka kwezvinhu muzvipatara zvehurumende, izvo zvasiya hupenyu hwevarwere vakawanda huri parumananzombe.
Madhokotera aratidzira zvakare pachipatara cheParirenyatwa muHarare achitsutsumwa nekwaati kusagadziriswa kwedambudziko rawo kuitira kuti akwanise kudzokera kumabasa.
Rodhai zvimwe