Kurudziro iyi yaitwa nenyanzii dzehupfumi pamwe chete nevakuru vakuru vemasangano anorwira kodzero dzevanorarama nekutenga nekutengesa munyika apo dzihurumende dzeSouth Africa, Botswana neZimbabwe dziri kukwidza mitero inobhadharwa nevatengi.
Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reZPPM, VaAlbert Matapo, vanoti komiti yesangano ravo yakabuda nechisungo chekunyora gwaro renyunyuto mushure mekunzwa kuti kune vapoteri muBotswana vari kumanikidzwa kudzoserwa kumusha.
Vanorarama nekuita zvepabonde vanoti vave kudya nhoko dzezvironda nokuda kwekuvharirwa kwevanhu mudzimba panguva dzemanheru senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19.
Hurumende dzeZimbabwe, Botswana neSouth Africa dziri kutarisirwa kusainirana chibvumirano chekuchengetedzwa kwemhuka dzesango dzinowanika munzvimbo yeGreater Mapungubwe Transfrontier Conservation Area mukutanga kwegore rinouya.
Kunyange hazvo Botswana yavhura zvizere mabhoda ayo mashanu nhasi kusanganisira muganhu waro uri pedyo neguta rePlumtree weRamokgwebana, kwanga kuine motokari nevanhu vashomanana vanga vachipinda nekubuda munyika iyi.
Varidzi vemabhazi anofamba pakati peHarare neGaborone nemamwe maguta ari munyika dzakatenderedza Zimbabwe vanoti vafadzwa zvikuru nedanho ratorwa neBotswana rekuti vatange kushanda musi wa1 Zvita.
Zvizvarwa zveZimbabwe nezvinobva kune dzimwe nyika zvinogara muBotswana zvatura befu guru mushure mekunge hurumende yenyika iyi yatora danho rekunyewenutsa kufamba kwevanhu pakati penyika dzakatenderedza Botswana.
Nhengo dzesangano remubatanidzwa wenyika dziri kuchamhembe kweAfrica reSADC dzakurudzirwa kuti dzisabate vanhu vanobva kune dzimwe nyika asi vachigara munyika dzavo nekunze kwemaoko nokuti kushandidzana ndiyo nzira chete ingabatsira mukupedza denda reCOVID-19.
.Vamwe vatsigiri vebato reMDC Alliance rinotungamirwa naVaNelson Chamisa vachigara muBotswana vave kuita mudemhe mudemhe senzira yekubatsira dzimwe shirikadzi dzakatizira kuZimbabwe nenyaya yemhirizhonga yezvematongerwo enyika.
Rimwe sangano rinomirira vemabhizimisi muBotswana reBusiness Botswana rinoti mabhizinesi ari mudhorobha reFrancistown akatarisana nenguva yakaoma zvikuru kana hurumende yenyika iyi ikaramba yakavhara miganhu neZimbabwe neZambia.
Gurukota rinoona nezvekudzivirirwa kweBotswana, VaKagiso Mmusi, vaudza Studio7 parunhare kuti hakuna chizvarwa cheZimbabwe kana chimwe zvacho chakaita chikumbiro chekuti chidzoswe kumusha kubva pakaitwa chibvumirano ichi mwedzi mipfumbamwe yakapfuura.
Mutungamiri weBotswana, VaMokgweetsi Masisi, vanoti nyaya yekumbunyikidzwa kwekodzero dzevanhu muZimbabwe yakora muto naizvizvo inoda kuti iturirwe kuna sachigaro weSADC mutsva, kwete weSADC Troika.
Varimi vachena vakapotera kuBotswana vanoti havafi vakadzokera kuZimbabwe kunyange hazvo hurumende iri kuvimbisa kuvabhadhara mari dzavo
Hurumende yeBotswana iri kukurudzirwa kuti itange chirongwa chekupa zvizvarwa zveZimbabwe magwaro ekushanda nekugara munyika aya nechimbichimbi sezvo ruzhinji rwevanhu ava rwuine mabasa akakosha mukusimudzira hupfumi hwenyika iyi.
Vatyairi vemagonyeti anoenda kunyika dziri kuchamhembe kweAfrica vave kutyira kurasikirwa nemabasa sezvo dzimwe nyika dzakaita seBotswana dzave kuti ongororo yadzo inoratidza kuti ndivo vanenge vari kuuya nechirwere charura pasi rose checovid19.
Mukokeri musangano re Widows Fountain of Life, Amai Angeline Chiwetani, vanoti pamusoro pemarwadzo ekufirwa nemumwe wako, COVID-19 yaunza kugedageda kwemeno kuruzhinji rweshirikadzi.
Zvizvarwa zveZimbabwe zviviri zvakafa nemusi weSvondo mushure mekurohwa zvakaipisisa nevamwe varimi vekuBotswana zvichipomerwa mhosva yekuba mbudzi.
Mumwe wevanhu vaoreswa moyo nehurongwa uhu, Muzvare Chathrine Chandaengerwa, vaudza Studio7 kuti hurongwa uhu hwaita kuti vanhu vakawanda vasarudze zvavo kuramba vari muBotswana vachishupika, pane kuomeserwa pakudzokera kwavo kumusha.
Zvizvarwa zveZimbabwe zvinorarama nekuita mabhindauko akasiyana siyana muBotswana zvinoti danho rekunyevenutswa zvishoma nezvishoma kwemutemo wekuvharwa kwenyika iyi rinopa tarisiro yekuti zvinhu zvichanaka kwazviri munguva pfupi.
Zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zvinogara muBotswana zvinoti hazvidi kudzoserwa kumusha nepamusana pekuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka kuZimbabwe zvichienzaniswa nehuoenyu huri muBotswana.
Rodhai zvimwe