Mutemo uyu, uyo wasainwa nemutungamiri weBotswana, VaMokgweetsi Masisi, unosungira kuti vanhu vagare mudzimba dzavo kwemwedzi mitanhatu, uye kuti makambani ape vanhu zvikwanisiro zvekuti vashande vachibva kudzimba dzavo.
Nyika dzakapoteredza Zimbabwe dzinoti Botswana, Zambia, Mozambique neSouth Africa dziri kutora matanho ekudzivirira kupinda kwe Coronavirus munyika idzi kubudikidza nekutora matanho akasimba panzvimbo dzinopinda nevanhu vachibva kune imwe nyika.
Vanotenga midziyo muzvitoro zveMachaina muBotswana vachizozvitengesa kuZimbabwe, vanoti midziyo yavanogarotenga haichisiri kuwanikwa muBotswana sezvo midziyo iyi isiri kuuya nehuwandu hunotarisirwa kubva kuChina nepamusana pedambudziko reCoronavirus.
Sangano rinorwira kodzero dzevapoteri pasi rose reUNHCR kumaodzanyemba kweAfrica rinoti riri munhaurirano nehurumende yeBotswana dzekutsvaga nzira yekupedza dambudziko rakasangana nezvizvarwa zveZimbabwe zviri muhupoteri muBotswana.
Zvizvarwa zveZimbabwe zvinopinda zana izvo zvanga zviri muhupoteri pamuzinda weDukwi Refugee Camp muBotswana zvinoti hurumende yenyika iyi yaramba kugamuchira chichemo chavo chekuti zvisadzoserwe kumusha zvichiti kukandwa mumukanwa mamupere.
Hurumende yeBotswana inoti ichateerera zvichemo zvezvizvarwa zveZimbabwe izvo zviri muhupoteri munyika iyi zvisiri kuda kudzokera kumusha pasi pechirongwa che voluntary repatriation sezvo nyika iyi ichiti inoremekedza mitemo yesangano repasi rose rinoona nezvekuchengetwa kwevapoteri.
Matsotsi akasungwa aya anonzi aipfuvisa zvizvarwa zveZimbabwe izvo zvaitorerwa nechisimba mari, mafoni, zvekudya pamwe nekubatwa chibharo munzvimbo dzazvinopinda nadzo zvisiri pamutemo muBotswana.
Hurumende yeBotswana inoti ichaita musenga bere kune zvizvarwa zveZimbabwe izvo zviri muhupoteri munyika iyi kana zvikasasarudza kunyoresa kuti zvidzoserwe kumusha musi wa31 Zvita usati wapera.
Sangano reSADC, riri kukurudzira nhengo dzaro kuti dzitore matanho akasimba pakuti zvirango zvinonzi zvakatemerwa Zimbabwe zvibviswe.
Nyanzvi munyaya dzekurwira kodzero dzevanhu muBotswana dziri kushoropodza danho rehurumende yenyika iyi rekuda kudzosera nechisimba zvizvarwa zveZimbabwe zviri muhupoteri paDukwi Refugee Camp dzichiti kuita izvi kunotyora kodzero dzevapoteri
Botswana ndeimwe yenyika dzemuAfrica dzakazvipira mukubatsira Zimbabwe kuti isununguke.
Mutungamiri wesangano revadzidzisi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaTakavafira Zhou, vakurudzira masangano evashandi muSADC kuti akomekedze nyika dzawo kuitira kuti dzigadzirise mamiriro akaita zvinhu munyaya dzehupfumi, uye kuti dzitore matanho akasimba pane zviri kuitika muZimbabwe.
Aimbove mutevedzeri wemurairidzi wechikwata chenyika chemaWarriors, Saul Chaminuka, ndiye ava murairidzi wechikwata chenhabvu cheTAFIC Sporting Club, icho chichangopinda mu muBotswana Telecommunications Corporation Premiership.
Musi wa20 Chikumi gore roga roga, pasi rose rinobatana mukucherechedza zuva revapoteri kana kuti World Refugee Day.
Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara muBotswana zvaratidza maonenro akasiyana siyana mushure mekunge dare guru reGaborone muBotswana rapa mutongo wekuti zve pamutemo kuita zvehungochani.
Hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa ine hurongwa hwekukwezva zvizvarwa zvernyika zviri kunze kwenyika kuti zvitange mabhizinesi kumusha senzira yekubatsira mukusimudzira hupfumi hwenyika.
Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kurarama neHIV/AIDS muBotswana zvinoti zviri kudawo kuti zvipihwe pachena mushonga unoderedza hukasha hweHIV/AIDS.
Mukutanga kwemwedzi waGunyana, mutungamiri weBotswana, VaMokgweetsi Masisi, vakazivisa kuti hurumende yavo ichavandudza kupihwa kwemagwaro ekugara nekushanda kuzvizvarwa zvekune dzimwe nyika.
Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muBotswana zvinoti zviri kutiza munyika iyi zvichienda kuBotswana nekuti kugara muZimbabwe kwakafanana nemunhu ari kurindira rufu.
Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kushanda zviri pamutemo muBotswana zvakawandisa kudarika zvirwara zvedzimwe nyika zviri munyika iyi.
Rodhai zvimwe