Hurumende yeSouth Africa yavimbisa kuchengetedza zvizvarwa zvekune dzimwe nyika zvinogara nekushanda muSouth Africa.
Sangano rinorwira kodzero dzevanhu, reCommunity Tolerance and Reconciliation Development Trust (COTRAD), iro rakambomiswa kuita basa nehurumende, rinoti rakaendesa mapepa kudare repamusoro nezuro kuti nyaya yavo inzwikwe zvec
Hurongwa hwekutsvaga munhu achamirira bato reDemocratic Party musarudzo yemutungamiri weAmerica hwatanga zvine mutsindo zvichitevera kubuda pachena kwevnhu vanodarika gumi vazvipira kupinda musarudzo iyi.
Masangano emakereke, anosanganisa Catholic Bishops Conference, Zimbabwe Council of Churches, Evangelical Fellowship of Zimbabwe ne Union for Development of the Apostolic Churches in Zimbabwe, achaita musangano wemazuva maviri kutanga mangwana achitarisa mamiriro akaita zvinhu munyika uye kuronga gwa
Vachuchisi vakapomerawo mhosva dzehuori vamwe vatambi munyaya dzemafirimu vane mukurumbira vanosanganisira Felicity Huffman na Lori Loughlin, pamwe nevadzidzisi vemitambo muzvikoro zvepamusoro soro muAmerica.
Mutauriri webazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaGedion Gapare, vanoti nhaurirano pakati peZimbabwe neSouth Africa dzichiri kuenderera mberi panyaya yemari yekukweretesa Zimbabwe mushure mekunge nyika mbiri idzi dzapeta musangano wekudyidzana nezuro muHarare.
Mutungamiri webato rinopikisa, reIdeal Party Zimbabwe, VaTinashe Jonasi, vamiswa pamberi pedare nhasi vachipomerwa mhosva yekuzvidza mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, pasi pemutemo weCriminal Law Codification Reform Act.
America yakatara mwedzi waKurume semwedzi wekucherechedza nhoroondo yemabasa evanhukadzi.
Sangano reHuman Rights Watch (HRW) raburitsa gwaro rinoratidza kutyorwa kwekodzero dzevanhu nemauto iro rati riri kuzoendesa kusangano reUnited Nations.
Zvichitevera tsaona iyi, makambani endege emuAmerica anoti Southwest Airlines, Air Canada neUnited Airlines, anoti acharamba achishandisa ngege dzemhando iyi, asi China inonzi yambomisa kushandisa ndege dzayo makumi mapfumbamwe nenhanhatu dzemhando iyi.
Mutungamiriri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, vasvika muZimbabwe kuzoita musangano nemutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, pamusoro pekudyidzana kwenyika mbiri idzi.
Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights rinoti mutongi wedare repamusoro VaDavison Foroma vapa mumiriri weHarare West mudare reparamende vari vebato reMDC, Muzvare Joanna Mamombe, mukana wekubvisa mari yechibatiso.
Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vakamiswa pamberi pedare redzimhosva neChina asi nyaya yavo haina kunzwikwa mudare iri.
Dare repamusoro nhasi rabvumira kuti mukuru wesangano reHeal Zimbabwe, VaRashid Mahiya, vabvise mari yechibatiso kuti vatongwe vachibva kumba kwavo.
Zvichitevera kusungwa kwenhengo dzeparamende dzebato rinopikisa reMDC, gurukota reBritain rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, Amai Harriet Baldwin, vaburitsa mashoko ekuti hurumende yeZimbabwe inosungirwa kutevedzera mutemo uye kuchengetedza kodzero dzevanhu.
Chipangamazano munyaya dzeHIV/AIDS musangano reElizabeth Glaser Pediatric AIDS Foundation, Doctor Rhoderick Machekano, vanoti ya The London Patient inyaya inofadza chose nekuti ichazarura nzira yekukwanisa kurapa chirwere ichi muvanhu vakawanda.
Vanomiririra Harare West muparamende, Muzvare Joanna Mamombe, nhasi vavharirwa mujere reChikurubi kusvika musi wokuzotongwa kwavo musi wa 19 Kurume.
Mutungamiriri weAmerica, VaDonald Trump, vakawedzera neMuvhuro rimwe gore pazvirango zvakatemerwa vakuru vakuru muhurumende yeZanu PF, pamwe nemakambani anodyidzana nehurumende yaVa Emmerson Mangagwa.
Pakupa huchapupu, mumwe anozviti mutikitivha VaDennis Muroiwa vakasiya vanhu vasina mate mukanwa mudare mushure mekunge vakundikana kupindura mibvunzo yakanangana nebasa ravo.
VaMasaraure vati paitwa zvisungo zvishanu zvinosanganisira kuudza hurumunde kuti isaine gwaro rechirongwa che ‘safe schools’ chakatenderanwa kuOslo kuNorway muna 2015.
Rodhai zvimwe