Zimbabwe Republic Police inoti kusvika pari zvino, vanhu makumi maviri nemumwe vafa mutsaona dzemumigwagwa munyika yose pazororo reEaster.
Vanhu gumi nemumwe vakafa nezuro vamwe makumi manomwe nevanomwe vakakuvara mutsaona yemumigwagwa.
Masangano anorwira kodzero dzevanhu anoti ari kutambira nemufaro mukuru zvakaitwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, zvokusaina chibvumirano cheAfrican Charter, icho chinobata nyaya dzesarudzo nehutongo hwejechetere.
Vamwe vagari vekuMagokova, kuChisumbanje, mudunhu reManicaland vanoti vakatsamwa kuti zvirimwa zvavo zvakarimirwa pasi nekambani yeGreenfuel Pvt Ltd apo vainge vave kukohwa.
Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika hazvisi kumhanyira kudzokera kumusha kunyange hazvo hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa ichikuridzira kuti zvizvarwa izvi zvidzoke kumusha.
Hurumende inonzi yakavimbisa kugadzirisa zvichemo zvose zvavana chiremba vari kuramwa mabasa ichiti ichawedzera mari dzekubatsirikana kubva pa dhora rimwe nemakumi mashanu ema cents pa awa imwe chete, kusvika pamadhora mashanu pa awa.
Vana chiremba vanoti vari kuenderera mberi nekuramwa mabasa sezvo hurumende iri kukundikana kugadzirisa zvichemo zvavo.
Mushure mekukundikana kugadzirisa matambudziko akatarisana navanachiremba avo vari kuramwa mabasa, hurumende inonzi yave kuvavundutsira kuti vadzokere kumabasa.
Bhanga repasi pose, reWorld Bank, riri kukokera misangano yekuzeya nyaya dzeminda nehurombo pasi rose.
Zichitevera musangano waitwa nevamiriri vemasangano evarairidzi ose muHarare nhasi, varairidzi varonga kuratidzira pamuzinda wemutungamiriri wenyika we State House musi wa 27 Kubvumbi uye kuramwa mabasa muna Chivabvu kana hurumende ikasagadzirisa zvichemo zvavo.
Mushure memusangano wavaita negurukota rezvehutano, Dr. David Parirenyatwa, mutauriri wesangano ravanachiremba, reZimbabwe Hospital Doctors Association, Dr Mxolisi Ngwenya, vanoti vana chiremba havasi kuzodzokera kubasa kusvika zvichemo zvavo zvese zvagadziriswa.
Mutungamiri webato reMDC-T, VaNelson Chamisa, vanoti hurumende yavo ichaunza kutungamirwa kwenyika kutsva, kusina rusarura, kuchaita kuti vanhu vose vemunyika vanzwe kufara kuti zvizvarwa zvemuZimbabwe.
European Union, kana kuti EU, inoti yakokwa neZimbabwe kuti izoongorora sarudzo dzichaitwa gore rino.
Vatungamiri vaviri ava vanotarisirwa kukurukura pamusoro pekudyidzana kwenyika mbiri idzi uye nezvimwe zvinosanganisira zvinonetsa mudunhu reSADC.
Vanachiremba vapinda muzuva regumi neshanu vachiramwa mabasa vachiti zvichemo zvavo hazvisi kunzwikwa nehurumende.
Nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vachidzidzisa paUniversity of Pretoria, Doctor Tyanai Masiya, vanoti dare repamusoro soro harisi kubata zvakanaka nyaya yevavhoti vari kunze kwenyika.
Pastor Alexander Mayere vanotsanangura zvehupenyu hwavo vachiti vaive vasina hunhu, vachimwa doro zvakanyanya uye vasingagone kuroora.
Mutungamiri weAmerica, VaDonalad Trump, vadzinga basa gurukota ravo rinoona nezvekudyidzana kwe America nedzimwe nyika, VaRex Tillerson.
Rodhai zvimwe