Vagari vekuNemamwa vari kuchema chema mushure mekudzingwa nemapurisa ayo akavati ari kuchenesa mugwagwa uyu kuitira mutevedzeri wemutungamiriri wenyika, VaKembo Mohadi vashanye.
Mumwe mugari wekuMasvingo mudunhu rekuMhandamabwe kwaChivi, VaTendai Gozho, vanoti vari kurwadziwa zvikuru nekukwira kwakaita mutengo wembeu apo mvura yatanga kunaya.
Vagari vekuMasvingo vanoti havasi kufara nehurongwa hweguta ravo hwekuti vagoverwe mvura kaviri pasvondo vachiti izvi zvinoita kuti vagari vapinde munjodzi yekubatwa nezvirwere, zvikuru panguva ino yekurwisa chirwere cheCovid-19. (Vhidhiyo: Godfrey Mtimba)
Vagari vekuMasvingo vanoti havasi kufara nehurongwa hweguta ravo hwekuti vagoverwe mvura kaviri pasvondo vachiti izvi zvinoita kuti vagary vapinde munjodzi yekubatwa nezvirwere, zvikuru panguva ino yekurwisa chirwere cheCovid-19.
Gweta ranzura weMDC Alliance kuMasvingo, VaGofrey Kurauone, VaMartin Mureri, vanoti VaKurauone vawanikwa vasina mhosva panyaya yavanga vachipomerwa yekuvhara mugwagwa kuMashava muna Chikunguru gore rino. (Vhidhiyo: Godfrey Mtimba)
Mutongi wedare ramejastiriri wekuMasvingo, Muzvare Patience Madondo varamba chimwe chikumbiro chitsva chekuti kanzura weMDCA muWard 4, VaGodfrey Kurauone, vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso.
Vagari vekwaGutu vanoti vanoda rubatsiro rwechikafu nechimbi chimbi sezvo vapererwa nechibage chavakakohwa gore rino. Mumwe mugari wemumusha wekwaMakonese, Ambuya Rosina Gonese, havasi kuwana rubatsiro kubva pakatanga denda reCovid-19 sezvo masangano mazhinji akambomira kubatsira vagari.
Vatsigiri veMDC Alliance pamwe nevarwiri vekodzero dzavhu vadzingwa mudare nemutongi wedare, uyo asina kupa chikonzero chakuita izvi.
Kutongwa kwemhosva iri kupomerwa VaGodfrey Kurauone veMDC Alliance kwatadza kutanga kuMasvingo. (Vhidhiyo:Godfrey Mutimba.)
Vagari vekwaGutu voyaura nenzara sezvo vasiri kuwana rubatsiro rwechikafu munguva ino yedambudziko reCovid-19.Ambuya Rosina Gonese vachitsanangura nyaya yenzara kwaGutu. Vhidhiyo ina Godfrey Mutimba.
Gweta reZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaMartin Mureri, vati VaGodfrey Kurauone, avo vanovazve murongi wemisangano yevechidiki muMDC Assembly, vadzoserwa kutirongo zvichitevera kunyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.
Vanoita mabasa emaoko kunyanya ekutengesa mumigwagwa mudhorobha reMasvingo vari kuchema chema kuti kusungwa kwemitemo yeCovid-19 kukurudzira vanhu kuti vagare mudzimba kwave kupa kuti zvinetse kuriritira mhuri dzavo.
Dare repamusoro muMasvingo ratambira chikumbiro chemurongi wemisangano yevechidiki muMDC Alliance, VaGodfrey Kuraone, chekuti vabhadhariswe mari yechibatiso kui
Mazana nemazana evanhu vaungana muraini rekwaChidyamakuni mudunhu raIshe Chiwara kwaGutu vachiona kuradzikwa kwaAmbuya Chamisa.
Munyori mukuru muMDC Alliance, VaChalton Hwende, vachitaura parufu rwa amai vemutungamiri wavo, Mbuya Alice Chamisa.Vhidhiyo yatorwa naGodfrey Mtimba.
Vanhu vakawanda vabatana mukuradzikwa kwaMbuya Chamisa, amai vemutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, avo varadzikwa zvine mutsindo kumusha kwavo kwaGutu mudunhu reMasvingo. Vhidhiyo ina Godfrey Mtimba.
Mutevedzeri wemutungamiri weMDC Alliance, VaTendai Biti, varumbidza Mbuya Chamisa semunhu aikudza Mwari, ane rudzo uye airemekedza vamwe vawo.
Vamwe vagari vemuMasvingo, varamba kutambira bhiri rekusora kana kuti Cyber Security and Data Protection, vachiti hurumende inogona kushandisa mutemo uyu kumbunyikidza vanopikisa
Vagari veMasvingo, vachipa pfungwa dzavo pa Musangano weparamende, wekutora pfungwa dzevanhu pa bhiri re Cyber Security and Data Protection. Vhidhiyo ina Godfrey Mtimba.
Rodhai zvimwe