Vakarema mudunhu reMasvingo vari kuchema chema kuti chirongwa chekunyoreswa kuvhota chiri kuitwa neZimabwe Election Commission hachisi kunyatsvovika kwavari, sezvo vari kutadza kusvika munzvimbo dziri kunyoresa nekuda kwematambudziko akasiyana siyana avari kusangana navwo.
Vakuru vebato iri vaitungamiriwa nemunyori mukuru weCCC, VaCharlton Hwende, vakashanyira wadhi iyi nemusi weChipiri pakadzokororwa kusarudzwa kwemumiriri mumwe vakasiya vagadzika VaAleck Tabe.
Vabereki vazhinji vanoti zvikoro zvakawedzera mari yebudiriro kana kuti ruvako kubva hurumende zvayakazivisa kuti zvikoro zvave kuzovhurwa nemusi weMuvhuro.
Nhengo nhatu dze MDC-Alliance dzakasungwa nezuro dzamiswa pamberi pedare redzimhosva nhasi ndokubhadhariswa mari yechibatiso inoita zviuru zvishanu zvemadhora pamunhu kuitira kuti dzitongwe dzichibva kumba.
Nhengo yeMDC Alliance, VaJohn Mupanduki, vapambwa mambakwedza nhasi pamba pavo paNyika Growth point kuBikita muchiitiko chinofungidzirwa kuti chine zvematongerwo enyika mukati.
Vagari vemudunhu reMasvingo vanoti havana kunyatsofara zvakanaka rwendo rwuno vachipemberera kutanga kwegore idzva nepamusana pekuti hurumende yakavhara nzvimbo dzekutandarira pamwe nenzvimbo dzinoungana vanhu vachinamatira kusvika kwegore idzva.
Kuchange kusingadaidzwe anonzwa mangwana apo vatsigiri vemutambo wenhabvu muguta reMasvingo vachange vachiona zvikwata zvavo zviri munhandare mushure memakore maviri kusina mitambo yenhabvu nekuda kwedenda reCovid-19.
Vanhu makumi manomwe nevatanhatu vakabatwa nechirwere cheCovid-19 paMasvingo Teachers College nezuro, uye vamwe vanhu vatanhatu vakabatwa nechirwere ichi mudunhu rose reMasvingo.
Vagari vemudhorobha reMasvingo vari kugara vakabatira hana mumaono zvichitevera kupupararira zvinotyisa kwechirwere cheCovid-1 pachikoro cheMasvingo Teachers College.
Masangano anorwira kodzero dzevanhu anoti haasi kufara nedanho rakatorwa neZimbabwe Electoral Commission (ZEC) rekumbomisa chirongwa chekupinda muvahu kuitira kuti veruzhinji vakwanise kunyoresa kuvhota.
Motokari dzechikwata chaVaChamisa dzakatemwa nematombo dzikapwanyiwa vamwe vatsigiri vebato ravo vakarohwa zvakaipisisa uye nezuro MDC-Alliance yakapomera vatsigiri veZanu PF kwaGutu mhosva yekuisa muhunhapwa vechidikiri vayo kwemaawa anpfuura mashanu vachivarova
Vatsigiri vebato reZanu-PF kwaChivi pamwe nemapurisa vari kupomerwa mhosva yekuyedza kurambidza mutungamiriri webato guru rinopikisa munyika reMDC-Alliance, VaNelson Chamisa kuita misangano mudunhu iri.
Vamwe vabereki kuMasvingo vari kuchemachema nenyaya dzehuori dziri kupomerwa vamwe vakuru vezvikoro vachiti vari kutatarika kubhadhara mari iyi kuti vana vavo vaende kuzvikoro.
Vatungamiriri vaviri veMDC Alliance kwaGutu, VaLangton Guvava naVaPhillip Mahachi, avo vakasungwa nemusi weSvondopaZvavahera vachipomerwa mhosva yekuita musangano pasina mvumo, vabhadhariswa mari yechibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kumba kwavo.
Rodhai zvimwe