Sangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica rinoti harisi kufara nemabatirwo ari kuitwa zvizvarwa zvisiri zvemuSouth Africa kana zvichinge zvarwara zviri munyika iyi.
Izvi zvinotevera mashoko aziviswa nemutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, mushure memusangano mukuru webato ravo wakaitwa neMuvhuro, uyo wakabuda nechisungo chekuti bato ravo ribatsire muhurukuro dzekutsvaga runyararo muZimbabwe.
Sangano rinozviti #Notinmyname, rinoti ratidziro iyi yanga iri yekuratidza rutsigiro rwayo kumhuri yeZimbabwe, iyo inonzi iri kushungurudzwa nehurumende inotungamirirwa naVaEmmerson Mnangagwa.
Zimbabwe iri kukurudzirwa kuti igare yakagadzirira kuwedzera zvakanyanya kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 zvichitevera kusamira zvakanaka kwezvinhu muSouth Africa panyaya yekurwisa chirwere ichi.
Nyika yeSouth Africa, nhasi yapinda muchikamu chechitatu kubva muzvikamu zvishanu zvayakadzika kubva musi wa27 Kurume gore rino, ichiedza kudzivirira kupararira kwechirwercheCovid-19, icho chatekeshera pasi rose.
Sangano reZimbabwe United for Progress, iro rakaumbwa mwedzi wapera, rinoti rakaumbwa mushure mekunge hurumende yeSouth Africa yaumba homwe yemari inobatsira zvizvarwa zveSouth Africa chete zviri kuvhiringwa neCovid-19.
Sangano guru rinomiririra mabhizimisi muSouth Africa, reBusiness for South Africa, kana kuti (B4SA) rayambira hurumende yava Cyril Ramaphosa, kuti ivhure makambani nekukasika munguva yelockdown sezvo vanhu vakawanda vachapedzisira varasikirwa nemabasa.
Mumiriri weZimbawe muSouth Africa VaDavid Hamadziripi vanoti vanhu vanodarika zvuru zvishanu vari kugara muSouth Africa vanyoresa kumuzinda wavo vachiti vanoda rubatsiro.
Mutungamiriri wenyika yeSouth Africa, VaCyril Ramaphosa nemusi weSvondo vakatora matanho akaomarara mukuyedza kurwisa pamwe nekudzivirira kupararira kwechirwere checoronavirus chatekeshera pasi rose.
Zvizvarwa zvemuSouth Africa zvapinda mumigwagwa zvichivhara migwagwa iyi nematombo kuitira kuti isapinde motokari; zvanga zvichipisa matayi emotokari pamwe nekupwanya zvitoro zvichiti hazvidi kuona zvizvarwa zvisiri zvemuSouth Africa zvisina magwaro zviri munzvimbo iyi.
Vana vakawanda vezvizvarwa zveZimbabwe vari kudzidza muSouth Africa vatadza kuenda kuchikoro pazvavhurwa muSouth Africa sezvo vana ava vasina magwaro edzidzo, kana kuti study permits.
Vakawanda vataura neStudio 7 vanoti kukundikana kwavo kuenda kumusha kwakaita kuti zuva reKisimusi iri rite serisina kunyanya kukosha muhupenyu hwavo, sezvo vasina kusangana nehama neshamwari.
Vanhu vakawanda vanoti hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa iri kutadza kuita zvayakavimbisa mushure mekunge vaimbove mutungamiriri wenyika, mushakabvu Robert Mugabe, vabviswa pachigaro nemauto.
Kune nhengo dzesangano ririkutonga muSouth Africa, re ANC, dzinopfuura zana, zvange zvakabatana ne nhengo dze ZANUPF, zvaratidzira nhasi pamizinda yeAmerica neyesangano reEuropean Union, nekusafara kwavo nezvirango zvakatemerwa nyika yeZimbabwe.
Mhuri dzezvizvarwa zveZimbabwe dzinodarika mazana maviri dzinogara muSouth Africa dzinoti mhirizhonga iyi yave kudzigarisa senherera munyika umu nekuda kwekushungurudzwa pamwe nekupisirwa dzimba nemidziyo yadzo.
Mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, vashora zvikuru mhizhonga iri kuitika munyika mavo, vakati vachaita musangano negurukota rezvemapurisa, Va Bheki Cele, kuti patsvagwe nzira dzekugadzirisa dambudziko iri.
Mutungamiriri wesangano reInternational Cross Border Traders Association kana kuti I-C-T-A, VaDennis Juru, vanoti South Africa inofanirwa kuona kuti yachengetedza kodzero dzevatyairi vemarhori vasiri zvizvarwa zvemunyika iyi.
Mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti mashoko akadai haafanirwe kunge achibva pamuromo pemunhu anonyarikana saVaMakhura.
Apo pasi rose richange richipemberera zuva revapoteri, mangwana, zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara muhupoteri muSouth Africa zvinoti hapana chekupemberera sezvo muSouth Africa muine nhamo dzamowo.
Mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, vagadzwa zviri pamutemo semutungamiri wenyika iyi pahurongwa hwapindwa nevatungamiri venyika dzemuAfrica kusanganisira VaEmmerson Mnangagwa.
Rodhai zvimwe