Mutungamiri weNCA, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, vanoti bumbiro remitemo rinofanirwa kubva kuvanhu. Vataura izvi vachsangana nevatsigiri vavo kuChinhoyi. (Vhidhiyo ina Nunurayi Jena)
Muzvinafundo Lovemore Madhuku, avo vanotungamira bato rinopikisa re NCA vanoti vachatsvaka rutsigiro vachitaura nevanhu vanenge vari muzvikwata zvidiki zvidiki vachitaurirana pamusoro penhunha dzavari kusangana nadzo. (Vhidhiyo ina Nunurayi Jena.)
Vamwe vatsigiri veZanu PF vachitamba kumusangano webato ravo waitirwa kukuMagunje, kuMashonaland West vakamirira kuti mutungamiri webato iri, VaEmmerson Mnangagwa, vataure pamusangano uyu. (Vhidhiyo naNunurai Jena)
Mutungamiri weZanu PF vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mangagwa vachikwazisana nenhengo dzebato ravo dzichange dzakamirira Zanu PF musarudzo dzeparamende nemakanzura gore rino. (Vhidhiyo naNunurai Jena)
Mumwe wevatevedzeri vemutungamiri weZanu PF, VaKembo Mohadi, vachisvika munhandare yePfupajena kuChegutu kumusangano wavaita nevatsigiri vebato ravo. (Vhidhiyo naNunurai Jena)
Rodhai zvimwe