Mukuru musangano ravana chipangamazano, reLabor and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, vanoti zvakakosha kuti munyika muve nekutaurirana kuitira kuti vekunze vane mari dzavo vaite chivimbo chekuuya kuzotanga mabhizinesi muZimbabwe.
Sachigaro weMDC USA, VaZvidzai Ruzvidzo, vanoti chinangwa chekuratidzira kwavo change chiri chekuudza pasi rose kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka kuZimbabwe.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vadzokera kumusha mushure mekupinda mumusangano weUnited Nations General Assembly, UNGA.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kunyora nhoroondo yavo apo vachataura kekutanga semutungamiri wenyika pamusangano weUnited Nations General Assembly, UNGA, uri kuitirwa muNew York.
Dare re Electoral Court ratadza zvakare kubuda nechisungo panyaya yakakwidzwa mudare iri nengo ye MDC Alliance yakakwikwidza musarudzo yemumiriri we Chegutu West, VaGift Konjana.
VaMnangagwa, avo vari kumusangano we United Nations General Assembly ku New York, vataura pamusoro pegwara ravo ravachatevera kwemakore mashanu anotevera, pamwe nekunzwa shuviro yezvizvarwa zveZimbabwe zviri mu America.
Nhengo ye Tajamuka, Va Promise Mkwananzi, vabvisiswa mari yechibatiso inoita madhora makumi mashanu kuitira kuti vatongwe vachibva kumba.
Musangano uyu, uyo uri kupindwawo nevatungamiri venyika dzemuAfrica, wakanangana nekutengeserana pakati peChina nenyika dzemuAfrica.
Zimbabwe Electoral Commission, Zec, yadzikisa huwandu hwemavhoti akawanikwa nemutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, musarudzo yemutungamiri wenyika kubva pa50.8% kusvika pa50.59%.
Gweta riri kufamba naVaTendai Biti, VaNqibizitha Mlilo, vati hurumende yeZambia haisati yapindura kuchikumbiro chekuti VaBiti vapihwe hupoteri, kunyange hazvo paine mashoko ari kubuda achiti VaBiti vanyimwa hupoteri.
Chipangamazano uye vari mutauriri wemutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, Doctor Nkululeko Sibanda, vanoti hurongwa hwekuenda kumatare huri mugwara sezvo vachifanirwa kuita izvi musi weChina usati wapfuura.
Mukuru wezvirongwa muZimbabwe Network for Social Justice, Va Tendai Reuben Mbofana, vanoti zvakakosha kuti Zanu PF neMDC Alliance dzishande pamwe chete senzira yekupedza ruvengo rwuri munyika rwuri kukonzerwa nezvakabuda musarudzo.
Mukuru wesangano iri kuchamhembe kwe Africa, VaDewa Mavhinga, vanoti sangano ravo rine humbowo hwekutyorwa kuri kuitwa kodzero dzevanhu nemauto.
VaSikhala, avo vanga vakahwanda zvichitevera kuridzwa pfuti kwakaitwa pamba pavo kuChitungwiza kwakare, vati VaMnangagwa vakasaita zvavataura, vachavaendesa kumatare edzimhosva neMuvhuro.
“Apo ndaishanyira nzvimbo dzakawanda dzaivhoterwa munyika yose kumaruwa emuZimbabwe, ndakaona zvizvarwa zveZimbabwe, vechidiki nevakwegura vachifamba mitunhu yakawanda vachienda kunovhota", vanodaro Seneta Flake.
Sachigaro veZimbabwe Electoral Commission, Amai Priscilla Chigumba, vanoti mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, ndivo vakunda musarudzo yemutungamiri wenyika, zvichitevera kuwana kwavaita mavhoti 2,460,463.
VaMnangagwa vava nemavhoti 2,147,505 - ukuwo VaChamisa vaine mavhoti 1, 929,704.
Mutungamiri weMDCAlliance, VaNelson Chamisa, vanoti vari kukunda zvine mutsindo musarudzo yemutungamiri wenyika, uye mubatanidzwa wavo uchakundawo musarudzo dzenhengo dzeparamende pamwe nedzemakanzura.
Vachitaura pamusangano wavakaita nevatori venahu veStudio7 neChishanu mu Washington DC, Amai Savage vakati America inoda zvikuru kudyidzana neZimbabwe, uye ushuviro yavo yekuti Zimbabwe igadzirise zvinhu zviri kunetsa kuitira kuti itambirwe nenyika dzepasi rose.
Nhengo yeMDC inomirira Bulawayo Metropolitan muparamende, Amai Nomvula Mguni, vanoti havana kudzingwa nechikwata chemdc inotungamirwa naVaNelson Chamisa.
Rodhai zvimwe