Rimwe remasangano anomiririra vanotengesa zvinhu mumigwagwa, reNational Vendors Union, rinoti rinogona kumisa kutengesa zvinhu mumigwagwa kana hurumende ikatambira zvirongwa zvarakaendesa kwairi.
Vamwe vashandi nevamwe vakarega basa pa kambani mbiri, dzeGuardian Security ne Velyscin Security, vanoti havasi kupiwa mari dzavo izvo zvakaita kuti vatsvage rubatsiro kusangano rinorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Network for Social Justice (ZimJustice).
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vatoresa mhiko nhengo dzekomisheni yavakadoma kuti iongorore mhirizhonga yakaitika mushure mesarudzo musi wa1 Nyamavhuvhu izvo zvave kuita kuti dzichitanga basa.
Sangano reZimbabwe Election Support Network kana kuti ZESN, ranyorera tsamba kumutungamiri wenyika, mutauri weparamende, VaJacob Mudenda, kuZimbabwe Human Rights Commission nekune mamwe makomishini anorwira kodzero dzevanhu richikuridzira kuti nyaya yekuvandudza kwemitemo yesarudzo igadziriswe neda
Vanhu makumi maviri nevasere vanonzi vafa nechirwere chekorera kusvika pari zvino muguta reHarare chete, sekutaura kwevakafanobata chigaro chemukuru anoona nezvehutano mukanzuru yeHarare, Doctor Clemence Duri.
Apo dutumupengo rinonzi Hurricane Florence rasvika zvine mutsindo mumatunhu eNorth neSouth Carolina richibva mugungwa, zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara mumatunhu aya zvirikugadzirira kuti zvisapinda pakaoma.
Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara kunze kwenyika zviri kubatsira kurwisa dambudziko rechirwere chekorera kuburikidza nekutsvaka mari yekubatsira vanhu kuZimbabwe kuitira kuti varwise chirwere ichi.
Mubatanidzwa weMDC Alliance neMuvhuro wakasarudza vanga vari mutungamiri webato reMDC, Muzvinafundo Welshman Ncube pamwe naVaMorgan Komichi, avo vanga vari sachigaro veMDC-T yaVaNelson Chamisa kuti vave vatevedzeri vemutungamiri webato.
Mukuru wemapurisa, VaGodwin Matanga vakazivisa kuti kutangidza nhasi, mapurisa achange achidzoka mumigwagwa kusunga vasina zvitambi zvekutyaira motokari, vane motokari dzisina mvumo yekufamba mumigwagwa uye nekusunga vanenge vachityora mitemo yemumigwagwa.
Bato reMDC Alliance rinoti richagadza mutungamiri waro, VaNelson Chamisa, semutungamiri wenyika nemusi weMugovera, 15 Gunyana 2018 kunhandare yeGwanzura muHarare apo bato reMDC-T richange richipembera kusvitsa kwaro makore gumi nemapfumbabwe raumbwa.
Sangano ravanachiremba vanorwira kodzero dzevanhu rinoti kunyange hazvo mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakazofunga kusarudza gurukota idzva rinoona nezvehutano, hurumende nemakanzuru vane basa guru rinofanirwa kuitwa kurwisa chirwere che cholera.
Zvichitevera kufa kwevanhu nechirwere che ‘cholera’ muguta reHarare, meya mutsva weguta iri, VaHerbert Gomba, vari kukurudzira vachangodomwa segurukota rekurima nemvura, VaPerence Shiri, kuti vashande vose mukugadzirisa dambudziko remvura muguta.
Meya vatsva weguta reHarare, VaHerbert Gomba, vanoti vagari vemuHarare vanofanira kutarisira maitirwo ezvinhu matsva uye anovagutsa. VaGomba vanoti vane hurongwa hwavo hwemazuva zana hwekuyedza kugadzirisa zvinhu muguta reHarare.
Musangano weForum on China-Africa Cooperation Summit (focac), uyo uri kuitwa kuBeijing, kuChina wavhurwa zviri pamutemo neMuvhuro nemutungamiri wenyika iyi VaXi Jinping.
Vakuru vevashandi vemimighodhi vari musangano reNational Mine Workers’ Union of Zimbabwe vanoti nhasi vari kuda kuita hurukuro nevaridzi vekambani inochera goridhe yeMetallon Corporation Group kuti vazeye nyaya yekumiswa basa kwevashandi vanosvika mazana masere.
Vaimbomiririra Arizona mudare reseneti muAmerica, VaJohn McCain, avo vakashaya svondo rakapera nechirwere chegomarara, vari kuradzikwa neSvondo kumarinda U.S. Naval Academy kuAnappolis mudunhu reMaryland.
MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa inoti tsamba iri kutenderera pa Social Media ichiti munyori mukuru webato iri, VaDouglas Mwonzora, vambomiswa basa, haisi yechokwadi.
Mubatanidzwa weMDC Alliance wakange waudza mapurisa kuti uchange uchizoita musango kuMbizo uko kwange kuchitarisirwa zviuru gumi nezvisere zvevanhu.
Rodhai zvimwe