ZIMSEC yazivisa kuti pavana zviuru mazana matatu nemakumi maviri nezvishanu nemazana mashanu nemakumi manomwe nevatatu (325 573) vakanyora bvunzo, zvikamu makumi mana nechimwe nezviga gumi nezvitatu kubva muzana kana kuti 41.13 percent ,ndivo chete vakapasa.
Citizens Coalition for Change inoti zvinoshamisa zvikuru kuti dare repamusoro nezuro rakati sarudzo dze by elections mumatunhu matanhatu makange manzi nedare rimwe chetero hamufaniri kuitwa sarudzo idzi, dzinofanirwa kuitwa dare iri richizvidza mutongowedare reSupreme Court.
Dare re Nomination Court rotambira mazita evanhu vachakwikwidza musarudzo dzema by-elections dzichaitwa musi wa 26 Kurume gore rino. VaCrispen Magaya vachange vaka mirira Zanu PF kuGlen Norah votaura, Vhidhiyo ina Godwin Mangudya.
Dare re Nomination Court rotambira mazita evanhu vachakwikwidza musarudzo dzema by-elections dzichaitwa musi wa 26 Kurume gore rino Va Norest Marara vachange vakamirira bato reMDC Alliance muHarare Central votaura. Vhidhiyo ina Godwin Mangudya.
Dare re Nomination Court rotambira mazita evanhu vachakwikwidza musarudzo dzema by-elections dzichaitwa musi wa 26 Kurume gore rino. Vhidhiyo ina Godwin Mangudya.
Zimbabwe Electoral Commission nhasi yatambira magwaro evanhu vachapinda musarudzo dzichaitwa musi wa26 Kurume, mapato makuru munyika anoti MDC Alliance, Citizens Coalition for Change pamwe neZanu PF achinyoresa mazita evanhu vachakwikwidza zvigaro mumatunhu akasiyana siyana.
Dare repamusoro nhasi ratambira chikumbiro chenhengo nhanhatu dzedare reNational Assembly chekuti kumatunhu adzo hakufaniri kuitwa saruydzo dzema by-elections sezvo dzainge dzadzingwa mudare zvisiri pamutemo.
Hurumende yatanga neMuvhuro kuendesa chikafu, mishonga nezvinhu zvekushandisa mukuchengetedza vanhu munzvimbo dzinotarisirwa kuita mafashamu emvura nekuda kwemvura zhinji inotarisirwa kutanga kunaya kwaita mvura.
Bato reZanu PF rinoti zvakabuda musarudzo dzanezuro dzekutsvaga vachamirira bato iri musarudzo dzemaby-election musi 26 Kurume zvichaziviswa chete kana vachinge vawana zvakabuda munzvimbo dzese munyika.
Zanu PF haina kuzoita sarudzo dzayo nhasi dzekutsvaga vanhu vachamirira bato iri m,usarudzo dzichaitwa muna Kurume, ichiti dzava kuitwa mangwana, Chishanu.
Mutevedzeri wemutauriri webato iri, VaGift Ostallos Siziba, vaudza Studio7 kuti vanotarisira kuti nhengo dzavo dzese dzichakunda nekuti ndizvo zviri kudiwa nevanhu vakavhotera vanhu ava musarudzo dza2018
Mamwe masangano anomirira vagari vemuHarare ari kukururidzira veruzhinji kuti vasarudze vamiriri vanogona basa pamwe nekuita zvido zvavo musarudzo dzemakanzura nenhengo dzeparamende dzichaitwa musi wa 26 Kurume.
Zimbabwe Electoral Commission (ZEC) iri kutarisirwa kuva nemakomishina matanhatu matsva ekutsiva makomishina ari kusiya zvigaro zvawo zvichitevera kupera kwetemu yemakomishina aya muna Chikunguru gore rino.
Muchiziviso kunhengo dzebato ravo, murongi wemisangano muZanu PF, VaMike Bimha, vati Zanu PF ichapinda musarudzo dze by-elections nekudaro vese vanoda kumirira bato vanofanira kuendesa magwaro avo kumahofisi ebato iri mumatunhu avo.
Vaimbove mutungamiriri weZimbabwe Congress of Trade Unions, VaPeter Mutasa, ndivo vave sachigaro wesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition mushure mekukunda musarudzo dzaitwa padandemutande nenhengo dzesangano iri nhasi.
Rodhai zvimwe