Vadzidzisi voti havasi kuzombobvuma kutyisidzirwa nebazi rezvedzidzo kuti vadzokere kuzvikoro vasina mari panguva iyo vabereki vari kukurudzira hurumende kuti igadzirise gakava riripo nevashandi vayo.
Zimbabwe inoti sedzimwe nyika pasi rese dambudziko rechirwere chegomarara riri kuramba richikura huye zvakakosha kutsvaka nzira dzekuti vese vanobatwa nechirwere ichi vakwanise kurapiwa.
Harare Wetlands Trust inoti matoro munyika haasi kuchengetedzwa zvakakwana izvo zvichakonzera dambudziko remvura mumakore anotevera.
Apo vabereki vogadzirira kuvhurwa kwezvikoro svondo rinouya, vazhinji vavo vari kuchema chema nemitengo yemaunifomu vachiti vave kutosonesa kune vemabhizimusi madiki vavati vanemitengo yakadzikira. Vhidhiyo ina Rutendo Mawere.
Apo vabereki vogadzirira kuvhurwa kwezvikoro svondo rinouya, vazhinji vavo vari kuchema chema nemitengo yemaunifomu vachiti vave kutosonesa kune vemabhizimusi madiki vavati vanemitengo yakadzikira.
Sangano rinoona nezvesarudzo munyika reZimbabwe Electoral Commission ratanga chirongwa chekunyoresa vavhoti munharaunda dzavagere.
Mukuru weZimbabwe Citizens Forum, uye vari mutsigiri veZanu PF, VaAlex Gakanje Kandishaya, vanoti vachange vachishanyira mahofisi nedzimwe nzvimbo dzinoitirwa misangano yavati yekutengesa nyika nevari mumapato anopikisa.
Dare reNomination Court ravhurazve kutambira mapepa enzvimbo nhanhatu dzedare reNational Assembly uko kwaive kwambonzi hakuitwe sarudzo dzema by-elections.
Dare reNomination Court ravhura zvakare nhasi kuitira kuti ritambire mazita evanhu vachakwikwidza munzvimbo nhanhatu dzedare reNational Assembly idzo dzaive dzambonzi hadziitwe sarudzo dzema by-elections. Vhidhiyo ina Rutendo Mawere.
Zimbabwe yakurudzirwa nenyika dzepasi rese kusaina zvisungo zveUnited Nations zvinorambidza kutyorwa kwekodzero dzevanhu, kutochwa pamwe nekudzikisira hupenyu hwevanhu. Izvi zvabuda pamusangano weUniversal Periodic Review waitwa nhasi kuGeneva, Switzerland.
Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika mukucherechedza zuva redzidzo pasi rose nhasi nyanzvi dzichikurudzira hurumende kuti igadzirise matambudziko ari kukonzera kutyorwa kwekodzero yedzidzo.
Nyaya yekodzero dzevanhu muZimbabwe iri kutarisirwa kuzeyiwa nemusi weChitatu svondo inouya nenyika dziri mugungano reUnited Nations pasi pechirongwa cheUniversal Periodic Review chinoitirwa kuGeneva, ku Switzerland.
Rodhai zvimwe