Vanachiremba vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muzvipatara huye havasi kuzodzokera kumabasa kusvika hurumende yagadzirisa zvichemo zvavo.
Sangano rinomirira vashandi mubazi rekupinda nekubuda munyika, re Immigration Workers Union, rinoti harisi kuzozorora kusvika nyaya yekumbunyikidzwa kwevanhukadzi pabasa yarakatura kumapazi ehurumende akasiyana- siyana ragadziriswa.
Mazuva ekusaita mhirizhonga mudzimba ari kucherechedzwa pasi pedingindira rakanangana nekudzivirirwa kwemhirizhonga pamabasa.
Mumiririri weAmerica, VaBrian Nichols, vati zvakakosha kuti varume vave pazvirongwa zvekudzivirira mhirizhonga.
National Foods inoti ichavhara makambani ekugaya hupfu negorosi muHarare neBulawayo nenyaya yekushaya mari yekutenga zvikwanisiro asi veGrain Millers Association vanoti pane mamwe makambani acharamba achigaya gorosi pamwe nekuvhara mukana ushasiyiwa neNational Foods.
Kushaikwa kwemafuta edzimotokari munyika kurikuenderera mberi uye ongororo yaitwa neStudio 7 muguta reHarare inoratidza kuti dambudziko iri ririkuramba richikura.
Mutungamiri weMDC VaNelson Chamisa votaura pakuratidzira kwaitwa nebato ravo muHarare nhasi.Nyaya ina Rutendo Mawere.
Vatsigiri veMDC votaura nezve kuratidzira kwavo muHarare nhasi. Nyaya ina Rutendo Mawere.
VaElias Mudzuri mumwe wevatevedzeri wemutungamiri webato reMDC nhasi vaswereredzwa nevatsigiri vebato ravo vachipomherwa mhosva yekudyidzana neZanu PF. VaMudzuri vapedzisira vabudiswa muAfrica Unity Square nevatsigiri vavo. Nyaya ina Rutendo Mawere.
VaChamisa vatiwo kuratidzira uku inongova nzwisa chete, vakati kana matambudziko akatarisana nenyika akasagadziriswa vana veZimbabwe vacharamba vachiratidzira mumigwagwa.
Bato reMDC Alliance rinoti ririkuenderera mberi nekuratidzira kwarakaronga mangwana richikurudzirawo varatidziri kuti vasapfeke hembe dzemusangano sezvo vachiti kuratidzira uku ndekwevana veZimbabwe vatambura kwete zvematongerwo enyika.