Mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, vakakurudzira European Union kuti ichibvisa zvirango zvakatemerwa Zimbabwe, vachiti iri kuvandudza zvinhu.
Masangano evadzidzisi arikushora hurumende achiti haisi kuterera zvichemo zvevadzidzisi kunyange hazvo paine zvimwe zvavanogona kuwirirana nehurumende.
Sangano revadzidzisi, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ, rinoti harivimbi nesangano rinomiririra vanoshanda pasi pehurumende, reAPEX Council, richiti hapana chinombobuda muhurukuro dzakaitwa nesangano iri nehurumende nezuro.
Nhasi Zimbabwe yasvitsa gore mauto abvisa vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pachigaro. Vamwe vanhu vanoti vakafara zvikuru apo mauto akabvisa VaMugabe pachigaro nekuti vange vanetarisiro yekuti izvi zvakaitirwa mukuda kubatsira vanhu vakange vanyanya kutambura.
America iri kurumbidzwa zvikuru mukutevedzera kwayo bumbiro remutemo waro.
Zvikoro zvine vana vanodzidza vachigarapo, kana kuti ‘boarding schools’, muZimbabwe zvinonzi hazvichina chikafu chekuti vana vechikoro vadye.
Vanhu vanosvika zviuru zvishanu vaungana nhasi kwaChiadzwa kwaMarange vachirangarira vanhu vakafa munguva yaibviswa vanhu mudunhu iri nechisimba nemauto.
Mapurisa emu Bulawayo, nemusi weChishanu akasunga VaWisdom Mkwananzi achivapomera mhosva yekusvibisa zita remutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.
Bhanga reAfrica Export-Import Bank, kana kuti Afreximbank, nezuro rakazivisa kuti richiri kuita nhaurirano neZimbabwe kuti vapete hurukuro yekuti rikweretese hurumede mari inosvika mamiriyoni mazana mashanu emadhora.
Vachiona rumananzombe rwapindwa ne Zambia mushure mekukwereta mari yakawanda kubva kuChina, zvizvarwa zve Zimbabwe zvirikukurukura nyaya iyi pamadandemutande zvichiti hurumende inofanira kuchenjera kana kurega kukwereta mari kubva kuChina.
Mamwe magweta anoti Zimbabwe yakaita chinhu chikuru mukusainirana chibvumirano neAmerica kuti vanhu vanopara mhosva vakatizira kune imwe yenyika mbiri idzi vadzoserwe kunyika kwavapara mhosva.
Sangano rinomiririra vashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, rinoti mitero yakadzikwa nehurumende svondo rapera inofanirwa kubviswa nekukurumidza.
Sangano rakazvimiririra richiongorora mashandiro anoitwa muparamende, reparliamentary monitoring trust, rinoti makurukota mazhinji anozvidza paramende uye havasi kuita basa ravo nemazvo.
Mumwe muzvinabhizinesi weku Watsomba mudunhu reMutasa Central, VaTawanda Terera, vanonzi vakatorwa nechisimba nemapurisa nezuro manheru vachinzi motokari yavo yakaonekwa pachikoro chakabiwa zvinhu munharaunda yavanogara.
Vashandi veForestry Commission vanoti vanoda rubatsiro nekuti vave nemakore akawanda vasina kupiwa mari dzavo dzakakwana.
Vanhu vari kuita maonero akasiyana siyana pamusoro pemashoko emutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, ayo vakataura kumusangano weUnited Nations General Assembly kuNew York, vamwe vachiti mashoko avo akanaka chose, asi vamwewo vachiti VaMnangagwa havafaniri kungotaura chete asi kuti vanofanira kuita sekutaura kwavo.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vakaudza musangano weUnited Nations General Assembly wechimakumi manomwe netatu kuti Zimbabwe yakaita sarudzo dzakachena ikakoka vaongorori vesarudzo kubva kune dzimwe nyika.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanotarisirwa kutaura mberi kwesangano re United Nations General Assembly muma awa mashoma.
Kanzuru yeguta reHarare inoti mumasvondo maviri anotevera inenge yave kuwedzera mvura yakachena yainosvitsa kuvagari veguta nemagaroni anoita mamirioni makumi manomwe nemashanu.
Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vataura nhasi kumusangano weUnited Nations General Assembly uyo uri kuitirwa muNew York.
Rodhai zvimwe