Nhengo dzeMDC dzinobuda muparamende dzichiratidzira dzichiti hadziremekedzi VaMnangagwa semutungamiri wenyika dzichiti mutungamiri wadzo, VaNelson Chamisa, ndivo vakasarudzwa semutungamiri wenyika kunynage hazvo dare reConstitutional Court rakati VaMnangagwa ndivo vakasarudzwa zviri pamutemo.
Mumiriri weAmerica muZimbabwe Ambassador Brian Nichols vanoti nyika yavo iri kuedza nepaigona napo kubatsira Zimbabwe munyaya dzehutano. Vachitaura naMarvellous Mhlanga-Nyahuye weVoice Of America - Studio7 muWashington neChishanu, Ambassador Nichols vvakataurawo pamusoro pezvirango zvehupfumi.
Vatsigiri veBato reZanu PF Votamba Pamabiko eGurukota reDunhu reMasvingo VaEzra Chadzamira. Nyaya ina Gandri Maramba.
Gurukota redunhu reMasvingo, VaEzra Chadzamira, vakavimbisa kupedza hurombo muvanhu vachiti vachashanda zvakasimba kuburikidza nechirongwa chehurumende chekuendesa mamwe masimba kumatunhu vachiti izvi zvichaita kuti hupfumi hwedunhu hubetsere vagari.
Gweta raDoctor David Parirenyatwa VaJames Makiya vachitaura nezve mhosva yevaimbove gurukota rezvehutano Doctor Parirenyatwa vambosungwa vachipomerwa mhosva yekushandisa hofisi yavo zvisiri pamwero hurumende ichiti vakaita huori pamabatiro avakaita nyaya yemushandi wekambani yeNatpharm.
Vaimbove gurukota rezvehutano, Doctor David Parirenyatwa, vambosungwa vachipomerwa mhosva yekushandisa hofisi yavo zvisiri pamwero hurumende ichiti vakaita huori pamabatiro avakaita nyaya yemushandi wekambani yehurumende yeNatpharm. Nyaya ina Thomas Chiripasi.
Vaiwona nezvekufambiswa kwamashoko mubato re NPP VaJefferson Chitando vachitaura pamusoro pekusiya bato ravo. Nyaya ina Gandri Maramba.
Amai Jennifer Mhlanga mutevedzeri wegurukota rematunhu vachitaura mushure mekutoreswa mhiko nhasi. Makurukota akasarudzwa svondo rapera nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa otora mhiko nhasi kuState House.
Dr Ellah Gwaradzimba vagadzwa segurukota reManicaland vachitaura pakugadzwa kwavo. Makurukota akasarudzwa svondo rapera nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa otora mhiko nhasi kuState House.
Muzvare Yeukai Simbanegavi mutevedzwei wegurugurukota revechidiki vachitaura mushure mekutora mhiko nhasi kuState House. Muzvare Simbanegavi vange vari pakati pemamwe makurukota matsva vakadomwa nemutungamiri weNyika VaEmmerson Mnangagwa vatoreswa mhiko nhasi.
Amai Monica Mutsvangwa gurukota rezve kufambiswa kwemashoko vachitaura mushure mekutora mhiko nhasi kuState House. Amai Mustvangwa vange vari pakati pemamwe makurukota matsva vakadomwa nemutungamiri weNyika VaEmmerson Mnangagwa vatoreswa mhiko nhasi.
Amai Oppah Muchinguri Kashiri avo vagadzwa segurukota rezvekudzivirirwa kwenyika vachitaura mushure mekutora mhiko nhasi kuState House. Amai Kashiri vange vari pakati pemamwe makurukota matsva vakadomwa nemutungamiri weNyika VaEmmerson Mnangagwa vatoreswa mhiko nhasi.
Rodhai zvimwe