VaSolomon Mguni vasarudzwa sameya weguta reBulawayo nhasi asi izvi zvaitwa mushure mekuratidzira kwange kuchiitwa muguta iri. Mapurisa vange vakachengetedza nzvimbo yaitirwa sarudzo idzi. Nyaya ina Taurai Shava.
Chief Secretary To The President and Cabinet Dr Misheck Sibanda vachitaura mazita emakurukota ehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa, Nyaya ina Godwin Mangudya.
Nhengo dzedare reNational Assembly pamwe nedzedare reSenate dzinotoreswa mhiko kuitira kuti dzichitanga kuita basa radzo radzakasarudzirwa neveruzhinji. Nyaya ina Godwin Mangudya.
Nhengo dzedare reNational Assembly pamwe nedzedare reSenate dzinotoreswa mhiko kuitira kuti dzichitanga kuita basa radzo radzakasarudzirwa neveruzhinji. VaJoseph Chinotimba veZanu PF votaura nezve kugadzwa kwavo semudare. Nyaya ina Godwin Mangudya.
Nhengo dzedare reNational Assembly pamwe nedzedare reSenate dzinotoreswa mhiko kuitira kuti dzichitanga kuita basa radzo radzakasarudzirwa neveruzhinji. VaTendai Biti mumwe weavo vatoreswa mhiko nhasi. Nyaya ina Godwin Mangudya.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mngangagwa nhasi vakurudzira dzimwe nyika dzeku chamhembe kweAfrica kuti dzidyidzane neZimbabwe. VaMnangagwa vataura izvi kuvatori venhau veChina Global Television Network mu Beijing kuChina nhasi.
Vakasarudzwa kuti vaive makanzura mukanzuru yeHarare vatoreswa mhiko nhasi VaHerbert Gomba vachisarudzwa kuva Meya weguta reHarare. Nyaya ina Thomas Chiripasi.
Mutungamiri venyika VaEmmerson Mnangagwa vataura nevatori venhau venhepfenyuro yeChina Global Television Network mu Beijing, China nhasi kumucheto wemusangano we2018 summit of the Forum on China-Africa Cooperation, vachikoka dzimwe nyika kuti dzidyidzane neZimbabwe.
Mutungamiri weNyika VaEmmerson Mnagagwa vanoti Africa haisisiri kumashure sezvino fungidzirwa nedzimwe nyika dzisati dzaziva. VaMnangagwa vataura izvi nevatori venhau veChina Global Television Network.
Mutungamiri weChina Va Xi Jinping vachikwazisa mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, kumucheto wemusangano we2018 Summit on China-Africa Cooperation (FOCAC), watanga nhasi, mu Beijing, China.
Mumwe wemakanzura VaArnold Batirai vachipopotedzana nevamwe vanhu mushure mekunga vatora mhiko yavo nechiShona izvo zvatsamwisa vamwe vanhu vanhu vange vari pachiitiko ichi.Nyaya ina Taurai Shava.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanodoma VaConstantino Chiwenga naVaKembo Mohadi, sevatevedzeri vavo muhurumende. Vaviri ava vagadzwa eChina naChief Justice VaLuke Malaba kuState House.
Rodhai zvimwe