Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mngangagwa nhasi vakurudzira dzimwe nyika dzeku chamhembe kweAfrica kuti dzidyidzane neZimbabwe. VaMnangagwa vataura izvi kuvatori venhau veChina Global Television Network mu Beijing kuChina nhasi.
Vakasarudzwa kuti vaive makanzura mukanzuru yeHarare vatoreswa mhiko nhasi VaHerbert Gomba vachisarudzwa kuva Meya weguta reHarare. Nyaya ina Thomas Chiripasi.
Mutungamiri venyika VaEmmerson Mnangagwa vataura nevatori venhau venhepfenyuro yeChina Global Television Network mu Beijing, China nhasi kumucheto wemusangano we2018 summit of the Forum on China-Africa Cooperation, vachikoka dzimwe nyika kuti dzidyidzane neZimbabwe.
Mutungamiri weNyika VaEmmerson Mnagagwa vanoti Africa haisisiri kumashure sezvino fungidzirwa nedzimwe nyika dzisati dzaziva. VaMnangagwa vataura izvi nevatori venhau veChina Global Television Network.
Mutungamiri weChina Va Xi Jinping vachikwazisa mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, kumucheto wemusangano we2018 Summit on China-Africa Cooperation (FOCAC), watanga nhasi, mu Beijing, China.
Mumwe wemakanzura VaArnold Batirai vachipopotedzana nevamwe vanhu mushure mekunga vatora mhiko yavo nechiShona izvo zvatsamwisa vamwe vanhu vanhu vange vari pachiitiko ichi.Nyaya ina Taurai Shava.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanodoma VaConstantino Chiwenga naVaKembo Mohadi, sevatevedzeri vavo muhurumende. Vaviri ava vagadzwa eChina naChief Justice VaLuke Malaba kuState House.
Advocate Gina Mabwe vanove mudzamai akamira pamberi pedare reConstitutional Court akamirira vaNoah Manyika vebato reBuild Zimbabwe panyaya yakakwidzwa naVaNelson Chamisa kudare guru iri vachiramba zvakabuda musarudzo vanoti kutsungirira kwakakosha muhupenyu. Nyaya ina Marvellous Nyahuye weStudio7.
MDC Alliance yaVaNelson Chamisa inoti haina kuenda kumabiko ekugadzwa kwaVaEmmerson Mnangagwa semutungamiri wenyika sezvo vasiri kuzotambira hutungamiri uhwu. Marvellous Nyahuye weStudio 7 aita hurukuro naVaNkululeko Sibanda mutauriri waVaNelson Chamisa kuti tinzwe kuti seyi vasina kuenda kumabiko.
Vamwe vatsigiri vebato Zanu PF vemuHarare votaura pfungwa dzavo pamusoro pekugadzwa zviri pamutemo kwaVaEmmerson Mnangagwa semutungamiri wenyika. Nyaya ina Kiri Mudzamiri.
Amai Grace Mukonori vanova mumwe weavo vaenda kunotsigira kugadzwa kwaVaEmmerson Mnangagwa semutungamiri wenyika kunhandare yeNational Sport Stadium votaura pfungwa dzavo. Nyaya ina Kiri Mudzamiri.
Vamwe vatsigiri veZanu PF vachifarira kugadzwa kwaVaEmmerson Mnangagwa semutungamiri wenyika. Amai Grace Mukonori vachitaura pfungwa dzavo. Nyaya ina Kiri Mudzamiri.
Rodhai zvimwe